Passt nicht? Macht nichts! Sie können Artikel bis zu 30 Tage zurückgeben
Mit einem Geschenkgutschein können Sie nichts falsch machen. Der Beschenkte kann sich im Tausch gegen einen Geschenkgutschein etwas aus unserem Sortiment aussuchen.
Bis zu 30 Tage Rückgaberecht
Upenyu hwemunhu hunofamba sei? Ndiyani unohurongedza, agohurongonora, achigohurongedzazve? Chinangwa chake chiri chei? Anenge achida kuti hupenyu hugodii? Kurasikirwa nemureri, ariye muriritiri kukwira muti wemujerenga. Kuzoti naicho chidziro chaunozendamira kuti uwane simba rokutangidza zvambokona chadhirika, anenge atova mangondo. Nherera Sharu runyaya rwunoronda kusharuka kwenherera muupenyu hwayo. Kana iyo nherera yasharuka inoonekwa sei uye nei? Ko ivo vemaoko akatambanuka seivo vachirambidzwa kuramba votambanudza maoko avo? Kuti zvinodaro kuti vanhu vawane nyaya dzokutaura here? Zvino kana dzataurwa zvinogounzei? Ko ihwo uterera hunosharuka sei? Pakufirwa nababa? Pakufirwa namai? Iyi ndiyo imwe yemibvunzo inozvibvunza muravi mukutandara nekufambidzana nenyayanyorwa ino. Chasara, zviravire nyaya ino unzvinzwire wega.
~Tinashe Muchuri
Hallo! Ich bin Libroamiko, dein Buchberater.
Wie kann ich dir helfen?